notebook6

Chisazitasingwi (Pronoun)

Chisazitasingwi inzwi rinomirira kana kushanda panzvimbo yezita patinenge tichitaura. Sokuti:

Iye  ane mari yangu.

Icho  chikoro chacho chimbori kupi?

Dzimwe nguva tinogona kushandisa chisazitasingwi nezita racho. Sokuti:

Iyo $5 yacho aiisa pai?

Iye Taurai haanzwiwo mhani!

Kuumbwa kwezvisazitasingwi

Zvisazitasingwi zvinoumbwa maererano nemipanda yemazita azvinomirira. Mupanda mumwe nomumwe unechisazitasingwi chinoumirira uye chinogona kushandiswa nemazita ose omupanda uyu.

MupandaChisazitasingwi
1iye
2ivo
3iwo
4iyo
5iro
6iwo
7icho
8izvo
9iyo
10idzo
11irwo
12iko
13itwo
14ihwo
15ipo
16iko
17iko
18imo
19isvo
21iro

Zvisazitasingwi zvose zvinotanga nevara rimwe chete /i-/. Vara iri rinodaidzwa kuti chitsigiri (stabiliser). Pane dzimwewo nguva chisazitasingwi chinimorira mupanda wezita, maumbirwo acho anowirirana nechivakashure chemupanda wemazita vachinomirira sokudai:

MupandaChisazitasingwiChivakashure chezita
2i-v-ova-
7i-ch-ochi-
8i-zv-ozvi-
11i-rw-orw-
12i-k-oka-
13i-tw-otwu-
14i-hw-ohw-
15i-k-oku-
16i-p-opa-
17i-k-oku-
18i-m-omu-
19i-sv-osvi-
21i-r-ozi-

Maumbirwo

Vara rekutanga rekutsigisa (Chitsigisi) + chiratidzabato + nzvowera -o

sokuti:  i-+ -v- +-o