new29773

Chidudzirazita chinoratidza muridzi (mwene) wechinhu chirikutaurwa nezvacho. Chirewamwene chinowanzowirirana nezita rachirikududzira sokuti:

chikoro                                       chedu

pamba                                         pasekuru

Zvivakashure zvezita ririkududzirwa zvakafanana nezvivakashure zvezvirewamwene zvacho.

Asi dzimwenguva zvinogona kusadaro sokuti:

murume                                              wake

mapadza                                              avasekuru

Muenzaniso wekupedzisira pamusoro unoratidza kuti tinogona kushandura zita kuti riite chirevamwene: a- + vasekuru. Mawara anoshandiswa kushandura zita kanazvidudzira mazita kuiita zvirevamwene anonzi zvivakashure zvezvirevamwene (possessive concords). Mimwe mienzaniso yekushandiswa kwemazita nezvidudziramazita kuumba zvirevamwene.

Mwana                                                wa-sekuru

Chikoro                                                cha-vakuru

Motokari                                               dze-hurumende

Nyika                                                      ye-Zimbabwe

Jira                                                         ra-vo

Mumienzaniso iri pamusoro tashandisa mazita okuti sekuru, hurumende naZimbabwe, chisazitasingwi ivo nechipauro vakuru kuti tigadzire zvirevamwene.

Maumbirwo echirevamwene

Kune mhando mbiri dzezvirevamwene muChiShona dzinoti chirewamwene chinoratidza muridzi wechinhu nechirevamwene chinotsanangura chinhu. Kuumbwa kwazvo kwakafanana:

Chiwedzera chechirevamwene+ -a-(vara rinoshanduka) +-dzitsi rechirevamwene.

Sokuti:

w-+-a-+-sekuru= wasekuru

y-+-e-+-Zimbabwe

Tinogona kushandisawo zviito sedzitsi rechirevamwene sokuti:

re-+-kuchekesa                nyama

cho-+-kurovesa                   vanhu

Mhando dzezvirevamwene

1.    Chirevamwene chinoratidza muridzi wechinhu.

Pane mando mbiri sezvizvi:

a) Boka rinoshandisa mazita semadzitsi sokuti:

ch- +-o-+-vakomana   avo (chiwedzera chechirevamwene+zita+chiratidzi)

b)Boka rine madzitsi akaumbwa nezvisazitasingwi sekuti:

rw-+-e-+-du            zv-+-a-+-dzo              tw-+-a-+-ngu

2. Zvirevamwene zvinotsanangura chinhu

a) Zvinoratidza mhando yechinhu: sokuti: mwana wechikoro, dare redzimhosva

b)  Zvinoratidza basa rechinhu: sokuti: banga rechingwa, demo rekutemesa

c) Zvinoratidza chakagadziriswa chinhu: sokuti: doro rezviyo, ndiro ye muti

d) Zinoratidza chinogara chinhu sokuti:dura remabhuku kana saga reupfu

e) Zvinoratidza nzvimbo sokuti: kwaZvimba (dunhu raIshe Zvimba), maMutasa (dunhu raIshe Mutasa)

f) Zvinoratidza muridzi sokuti:

i) Chiwedzera sa- (Chinobatanidzwa nemazita emupanda 1a,3,5 ne9) sokuti sa-musha (3), sa-zita (5) sa-chigaro (1a) nasa-imba (9)

ii) Chiwedzera nya- chinobatanidzwa nemazita emupanda 15 sokuti: nya-kurova

iii) Chiwedzera -zvina- chinobatanidzwa nemazita emumupanda 1,2,3,4,5,6,7,8,9,10,11 ne14 sokuti: mu-zvina-doro, mu-zvina-imba