notebook_3

Chirewauwandu (Quantitave)

Chirewauwandu inzwi rinotsanangura zveuzhinji kana zvekushomeka kwechinhu kana zvinhu. Sokuti:

mbudzi dzose (mbudzi zhinji, dzakawanda, pasina kana yasarira)

manzwi ako omene (manzwi ako asina kuwedzerwa)

Maumbirwo echirewauwandu

Chirewauwandu chinoumbwa sezvizvi:

chivakashure/chiwedzera chechirewauwandu (quantitative prefix) + vararinoshanduka (quantitative stem)  +dzitsi

Muenzaniso

zv-   + -o-     + -se                                           zvose

tw-    + -e-    + -se                                           twese

v-       + -o-   + -mene                                    vomene

r-         + -e- + -ga                                           rega

Madzitsi echirevauwandu

Chirewauwandu chine mhando nhatu dzemadzitsi

1) -se (rinoshandiswa kubuditsa pfungwa yekuti hapana chinosara) Sokuti:

a) Tose takaenda kuguta nemotokari.

b) Usiku hwose arara achichema.

2) -ga (Dzitsi iri rinoshanda kuratidza chinhu/munhu mumwechete.) Sokuti:

a) Ini ndoga ndini ndinobvumidzwa kuita izvozvo.

b) Imbwa yega ndiyo inorara panze.

3) -mene (Dzitsi iri rinoreva kuti pachako/pachezvake, pauzima, pasina chimwe kana zvimwe zvawedzerwa)

a) Iye omene ndiye auya.

b) Amai vake vomene ndivo vakazvitaura.